SEI ZVICHIDAI ISHEVANGU

THIS IS A SMALL POEM IN VERNACULAR WHICH HAPPENS TO BE AS SHORT AS USUAL.I AM TRYING TO HORN MY MOTHER’S LANGUAGE WRITING SKILLS AS EQUALLY AS THE QUEEN’S LANGUAGE.


Mivbvunzo kubva muvhuro kunobata kana chishanu.


Pote Mugovera chero naiyo yakadai svondo.

Kutaura ndega ndenge munhu asina dzakakwana shano.

Handina zororo mufunge mumomoyo ingori hondo.


Mubvunzo mumwechete, sei zvichidai ishevangu


Nhamo kutevera vasina mari, ana mushaya neshangu.

Zvirwere zvongoteveravo ivo vasina mari, ana mushaya changu

Chiona Mari kutevera vasingadi mwari, ana zvese zviri zvangu.

Mubvunzo mumwechete, sei zvichidai ishe wangu.


Kwanzi kwadzinorohwa matumbu ndiko dzinomhanyira

Mitengo vanongo kwidza havanei misodzi tapunyaira

Zuva nezuva matumbu votowedzera hona vofamba hukanyaira

Kuda iri nhamo taiti takajaira, zvino ngwavaira ndiyo yatishanyira


Mubvunzo mumwe chete, sei zvichidai ishevangu.


Uti ukwire pamusoro pegomo ushevedzere, izwi rotorwa nemhepo.

Umire hombe kombe yegungwa hunzi makarwe pfuurai nepo.

Ziva kuyangarara mudikani, zvepasi pemvura hauzive nezvepo.

usafungisise zvauriwe, iri ringoriwo zvaro rimwe rema detembo.

Mubvunzo mumwe chete, sei zvichidai ishevangu.

Neho Wekare

sapientGenusĀ©